Proverbs 31

Zvirevo zvaMambo Remueri

1Zvirevo zvaMambo Remueri, zvirevo zvaakadzidziswa namai vake:

2“Nhaiwe mwanakomana wangu, iwe mwanakomana wokubereka,
iwe mwanakomana wemhiko dzangu,
3usapedzera simba rako pavakadzi,
nenzira dzako pane avo vanoparadza madzimambo.

4“Hazvisi zvamadzimambo, nhaiwe Remueri,
hazvina kufanira madzimambo kunwa waini,
hazvina kufanira vatongi kukara doro,
5nokuti vangazonwa vakakanganwa zvakatemwa nomurayiro,
uye vakazotadza kururamisira kodzero dzavanomanikidzwa vose.
6Ipai doro kuna avo vari kuparara,
newaini kuna avo vari mukurwadziwa:
7regai vanwe vakanganwe urombo hwavo,
uye varege kuzorangarirazve kutambudzika kwavo.

8“Taurai pachinzvimbo chaavo vasingagoni kuzvitaurira,
pamusoro pekodzero dzavose vanoshayiwa.
9Taura utonge zvakanaka;
udzivirire kodzero dzavarombo navanoshayiwa.”

Mudzimai ane Unhu Hwakanaka

10Mudzimai ane unhu hwakanaka ndiani angamuwana?
Mutengo wake unopfuura nokure matombo anokosha emarubhi.
11Murume wake anovimba naye zvizere,
uye haana chaanoshayiwa chinokosha.
12Anoitira murume wake zvakanaka, kwete zvakaipa,
mazuva ose oupenyu hwake.
13Anosarudza wuru neshinda
uye anoshanda namaoko anoshingaira.
14Akafanana nezvikepe zvavatengesi,
anondotora zvokudya zvake kure.
15Anomuka kuchakasviba;
agotsvagira mhuri yake zvokudya
uye agopa varandakadzi vake basa ravo.
16Anonanʼanidza munda agoutenga;
anosima munda wemizambiringa nezvaakawana namaoko ake.
17Anoita basa rake nesimba;
maoko ake akasimba kuti aite mabasa ake.
18Anoona kuti kushambadzira kwake kunobatsira,
uye mwenje wake haudzimi pausiku.
19Muruoko rwake anobata chirukiso,
uye anobata chirukwa neminwe yake.
20Anotambanudzira maoko ake kuvarombo,
uye anotandavadzira maoko ake kune vanoshayiwa.
21Kana kwotonhora, haatyire mhuri yake;
nokuti vose vakapfeka nguo dzinodziya.
22Anozvigadzirira zvokuwaridza panhoo yake;
anozvipfekedza nguo yomucheka wakaisvonaka, uye nomucheka wepepuru.
23Murume wake anoremekedzwa pasuo reguta,
kana agere pakati pavakuru venyika.
24Mudzimai anoita nguo dzemicheka yakanaka agodzitengesa,
uye anotengesera vanotengesa micheka yokumonera muhuro.
25Simba nokukudzwa ndizvo nguo dzake;
anofara akatarisana namazuva anouya.
26Anotaura nouchenjeri,
uye kurayira kwakatendeka kuri parurimi rwake.
27Anotarira zvakanaka mararamiro emhuri yake,
uye haadyi zvokudya zvousimbe.
28Vana vake vanosimuka vagomuti akaropafadzwa,
murume wakewo, anomurumbidza:
29“Vakadzi vazhinji vanoita zvinhu zvakanaka,
asi iwe unovakunda vose.”
30Zvinofadza zvinonyengera, uye runako ndorwenguva duku;
asi mukadzi anotya Jehovha anofanira kurumbidzwa.
31Mupeiwo mubayiro wake waakashandira,
uye mabasa ake ngaamupe kurumbidzwa pasuo reguta.
Copyright information for SnaBDSC